Joshua 21

Maguta avaRevhi

1Zvino vakuru vedzimba dzamadzibaba avaRevhi vakaenda kumuprista Ereazari, nokuna Joshua mwanakomana waNuni, nokuvakuru vedzimba dzamadzibaba amarudzi avana vaIsraeri. 2PaShiro panyika yeKenani vakati kwavari, “Jehovha akarayira kubudikidza naMozisi kuti utipe maguta atingagara namafuro emombe dzedu.”

3Saka sokurayira kwakanga kwaita Jehovha, vaIsraeri vakapa vaRevhi panhaka dzavo maguta anotevera namafuro kubva panhaka yavo:

4Mugove wokutanga wakapiwa vaKohati, mhuri nemhuri. VaRevhi, avo vakanga vari zvizvarwa zvaAroni muprista, vakagoverwa nemijenya maguta gumi namatatu kubva kumarudzi aJudha, aSimeoni naBhenjamini, 5Ruzhinji rwezvizvarwa zvaKohati vakagoverwa nemijenya maguta gumi pakati pemhuri dzamarudzi aEfuremu, aDhani nehafu yorudzi rwaManase.
6Zvizvarwa zvaGerishoni zvakagoverwawo nemijenya maguta gumi namatatu pamhuri dzorudzi rwaIsraeri, rwaAsheri, rwaNafutari, nehafu yorudzi rwaManase muBhashani.
7Zvizvarwa zvaMerari zvakapiwa maguta gumi namaviri kumarudzi aRubheni, Gadhi naZebhuruni, mhuri nemhuri.

8Saka vaIsraeri vakagovera maguta aya namafuro awo, nemijenya kuvaRevhi sezvakanga zvarayirwa naJehovha kubudikidza naMozisi.

9Kubva pamarudzi avaJudha navaSimeoni, vakavapa maguta akarehwa namazita awo pano 10(maguta aya akapiwa kuzvizvarwa zvaAroni zvaibva kumhuri yaKohati vari vaRevhi, nokuti ndivo vakatanga kugoverwa nemijenya):
11Vakavapa Kiriati Abha (iro Hebhuroni), namafuro akaripoteredza, munyika yamakomo yaJudha. (Abha ndiye akanga ari tateguru wavaAnaki.) 12Asi minda nemisha yakapoteredza guta zvakanga zvapiwa kuna Karebhu mwanakomana waJefune.
13Saka vakapa zvizvarwa zvomuprista Aroni Hebhuroni (guta routiziro kune anenge apomerwa mhosva yokuponda munhu), Ribhina, 14Jatiri, Eshitemoa, 15Horoni, Dhebhiri, 16Aini, Juta neBheti Shemeshi, pamwe chete namafuro awo, maguta mapfumbamwe kubva pamarudzi maviri aya.
17Kubva parudzi rwaBhenjamini, vakavapa Gibheoni, Gebha, 18Anatoti, neArimoni, pamwe chete namafuro awo, maguta mana.
19Maguta ose avaprista, izvo zvizvarwa zvaAroni muprista akanga ari gumi namatatu, pamwe chete namafuro awo.

20Vamwe vose vedzimba dzavaKohati, vorudzi rwaRevhi vakagoverwa maguta kurudzi rwaEfuremu:
21Munyika yamakomo yaEfuremu vakapiwa
Shekemu (guta routiziro rouya anopomerwa mhosva yokuuraya munhu) neGezeri,
22Kibhizaimi neBheti Horoni, pamwe namafuro awo, maguta mana.
23Uyewo kubva parudzi rwaDhani vakapiwazve
Eriteke, Gibheoni,
24Aijaroni, neGati Rimoni pamwe chete namafuro awo, maguta mana.
25Pakati kuhafu yorudzi rwaManase vakapiwa
Taanaki neGati Rimoni pamwe chete namafuro awo, maguta maviri.
26Maguta ose aya ari gumi pamwe chete namafuro aro akapiwa kuna vakasara vedzimba dzaKohati.

27Dzimba dzavaRevhi dzokwaGerishoni dzakapiwa:
kubva kuhafu yorudzi rwaManase,
Gorani muBhashani (guta routiziro rouya anenge apomerwa mhosva yokuponda munhu) neBhe Eshitara, pamwe chete namafuro awo, maguta maviri;
28kubva kurudzi rwaIsakari,
Kishioni, Dhabherati,
29Jarimuti neEni Ganimi, pamwe chete namafuro awo, maguta mana;
30Kubva kurudzi rwaAsheri,
Mishari, Abhudhoni,
31Herikati neRehobhi, pamwe chete namafuro awo, maguta mana;
32kubva kurudzi rwaNafutari,
Kedheshi muGarirea (guta routiziro rouya anenge apomerwa mhosva yokuponda munhu), Hamoti Dhori neKaritani, pamwe chete namafuro awo, maguta matatu.
33Maguta ose emhuri dzavaGerishoni akanga ari gumi namatatu pamwe chete namafuro awo.

34Dzimba dzavaMerari (vakasara vavaRevhi) vakapiwa:
kubva kurudzi rwaZebhuruni,
Jokineami, Katira,
35Dhimina neNaharari, pamwe chete namafuro awo, maguta mana;
36kubva kurudzi rwaRubheni,
Bhezeri, Jahazi,
37Kedhemoti neMefaati, pamwe chete namafuro awo, maguta mana;
38kubva kurudzi rwaGadhi,
Ramoti muGireadhi (guta routiziro rouya anenge apomerwa mhosva yokuuraya munhu),
39Heshibhoni neJazeri, pamwe chete namafuro awo, maguta mana pamwe chete.
40Maguta ose akanga agoverwa dzimba dzavaMerari, avo vakanga vari vaRevhi vakasara, akanga ari gumi namaviri.

41Maguta avaRevhi munyika yaiva yavaIsraeri aiva makumi mana namasere pamwe chete namafuro awo. 42Rimwe nerimwe ramaguta aya rakanga rakapoteredzwa namafuro; ndizvo zvakanga zvakaita maguta ose aya.

43Saka Jehovha akapa vaIsraeri nyika yose yaakanga apika kuti achapa madzitateguru avo, ikava yavo vakagara mairi. 44Jehovha akavapa zororo kumativi ose, sezvaakanga apikira madzitateguru avo. Hapana kana muvengi wavo mumwe chete akamira pamberi pavo; Jehovha akaisa vavengi vavo vose mumaoko mavo. 45Hakuna kana chinhu chimwe chete zvacho chezvinhu zvakanaka zvakanga zvavimbiswa naJehovha kuimba yaIsraeri chakakona; zvose zvakazadziswa.

Copyright information for SnaBDSC